Winky D – Njema Lyrics

Tinoona setakasununguka
Tichiti hatina zvinotishupa
Kubatana kwenyama nemapfupa
Asi mweya yakasuduruka

Tava kufamba tiri tega panyama
Tisina anotigeza munyama
Zvatiri nhapwa mukurarama
Kusadziona dzakachena munana

Njema njema
Njema njema (njema)
Njema njema (njema)
Njema njema

Dzakambotanga dzakakaka nyama
Iko zvino dzokakata pfungwa
Mukukura ndaingoti munyama
Zvondirwadza pandinozvifunga

Njema njema (njema)
Njema njema (njema)
Njema njema (njema)
Njema njema

Ndaisifunga kuti izvoni vasungwa
Ndivo vari muchizarira
Kusaziva kuti hobho vasungwa
Vari panze vari kuzvifarira
Vachipika mutongo vari panze
Kusungwa kwefunga hatizvivanze

Tobata chipi chingatinyaradze
Hanzi kufunga kwedu ngakutiparadze
Chiraraamo chofundwa pazvi vhiti vhiti
Taane ruvengo takungorwisana sama Dzviti
Akaendepi magungano ataiwonesana chiraramo nemitambo yejiti

Njema njema (njema)
Njema njema (njema)
Njema njema (njema)
Njema njema

Dzakambotanga dzakakaka nyama
Iko zvino dzokakata pfungwa
Mukukura ndaingoti munyama
Zvondirwadza pandinozvifunga

Njema njema (njema)
Njema njema (njema)
Njema njema (njema)
Njema njema

Zvatinoshuwira kuita nemoyo
Zvese zvinonofira mupfungwa
Mufungwa mune hondo sepaChimoio
Ndimo mune chigaro chehusungwa
Chakatirera tachitanangira
Hatichagone kuti tichiteere

Ndamboti ndizame kutsanangura
Ndiri kupa mashoko mbeveve
Tavakuronda tsika dzechingere
Matare achapihwa nani kupwere
Vari pasi tinokumbirawo nzeve
Tibviseiwo zvakakaka njere

Njema njema (njema)
Njema njema (njema)
Njema njema (njema)
Njema njema

Dzakambotanga dzakakaka nyama
Iko zvino dzokakata pfungwa
Mukukura ndaingoti munyama
Zvondirwadza pandinozvifunga

Njema njema (njema)
Njema njema (njema)
Njema njema (njema)
Njema njema
Njema!

Comments (0)