James Chimombe – Masutu Lyrics

Vamwe varume vakaroora nemasutu evamwe
Mhandara yave mumba masutu haingaaone
Mhandara haina kuziva kuti masutu ndeekukwereta
Mhandara yave mumba masutu haingaaone

Rume risinganyepi hariroori
Huku kana gumbeze risina, kutengesa chete ooh neisipo
Ini ndiri murombo zvangu anokupa hupenyu hwakanaka
Kwete vana mbatsa mbatsa vanoda kukukanganisa
Honaka iwe muno muvhenge vhenge
Maunosangana nezvakasiyana siyana
Uchasangana nevanoparadza
Kuvaka kwakaoma sekunamata
Lindi Lindiwe

Miromo yavo haizarirwe nerwizi
Zvavanotaura pamuromo chete
Kuparadza vanokwanisa
Kuvaka kwakaoma sekunamata
Lindi Lindiwe

Vamwe varume vakaroora nemasutu evamwe
Mhandara yave mumba masutu haingaaone

Ooh Lindi, ooh Lindiwe
Ooh Lindiwe, inini ndini chaiye
Ooh Lindi, ooh Lindiwe
Ooh Lindiwe, ooh ndini chaiye
Ooh Lindi, ooh Lindiwe
Ooh Lindiwe, ooh ndini chaiye
Ooh Lindi, ooh Lindiwe

Comments (0)